Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu; nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu. Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri; ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa. Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka, uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha, ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru, uye ndichireva zvamabasa enyu ose anoshamisa. Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu. Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa, vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi. Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa; ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni. Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano huru.
Verenga chikamu Mapisarema 26
Terera ku Mapisarema 26
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 26:2-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo