Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika. Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu. Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose. Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu, uye kuti vanondivenga zvakakura sei! Rindai upenyu hwangu mugondinunura; ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovanda mamuri. Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri.
Verenga chikamu Mapisarema 25
Terera ku Mapisarema 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 25:16-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo