Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika. Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri. Vakandinanga pazuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira. Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake. Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi. Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu, zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.
Verenga chikamu Mapisarema 18
Terera ku Mapisarema 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 18:16-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo