Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora, akandinyurura mumvura zhinji. Akandinunura kuvavengi vangu vane simba nokuna vaindivenga, nokuti vaiva nesimba kupinda ini. Vakandivinga pazuva renhamo dzangu, asi TENZI ndiye akava musimboti wangu. Akandiburitsamo akanditi murusununguko tupfunu, akandinunura nokuti anondifarira. TENZI akandipa mubayiro, maererano nokururama kwangu, akandidzorera zvinofambiranawo, nokuchena maoko kwandakaita; akandipa mubayiro nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTENZI; handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari wangu, nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose, mirawo yake handina kuibvisa kwandiri. Kwaari, handina chinoshoreka. Ndakazvichengeta ndisina mhosva. Ndokusaka TENZI andidzorerawo maererano nokururama kwangu zvichifambiranawo nokuchena kwamaoko angu mukuona kwake.
Verenga chikamu Nziyo 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 18:16-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo