Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 18:1-29

Mapisarema 18:1-29 BDSC

Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu. Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu. Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu. Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza. Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake. Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika; Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta. Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo. Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga. Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni. Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika. Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake, kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa. Mipata yegungwa yakaiswa pachena, uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena pakutuka kwenyu, imi Jehovha, nokufema kwemhino dzenyu. Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika. Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri. Vakandinanga pazuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira. Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake. Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi. Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu, zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake. Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu, kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu, asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu. Munoponesa vanozvininipisa, asi muchideredza vane meso anozvikudza. Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta; Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza. Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.