Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 150

150
Pisarema 150
1Rumbidzai Jehovha.
Rumbidzai Mwari munzvimbo yake tsvene;
murumbidzei mumatenga esimba rake.
2Murumbidzei nokuda kwamabasa ake esimba;
murumbidzei nokuda kwoukuru hwake hunokunda zvose.
3Murumbidzei nenzwi rehwamanda,
murumbidzei nembira nomutengeranwa.
4Murumbidzei nematambureni muchitamba,
murumbidzei norudimbwa nenyere.
5Murumbidzei namakandira anorira,
murumbidzei namakandira anorira kwazvo.
6Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha.
Rumbidzai Jehovha.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 150: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda