Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 136:1-9

Mapisarema 136:1-9 BDSC

Vongai Jehovha, nokuti akanaka: Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. Vongai Mwari wavamwari: Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. Vongai Ishe wamadzishe: Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. iye oga anoita zvishamiso zvikuru, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. iye akaita matenga nokunzwisisa kwake, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura zhinji, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. iye akaita zviedza zvikuru, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. zuva kuti ribate ushe masikati, Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. mwedzi nenyeredzi kuti zvibate ushe usiku; Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.