Mapisarema 122
122
Pisarema 122
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.
1Ndakafara pavakati kwandiri,
“Handei kumba yaJehovha.”
2Tsoka dzedu dzimire
mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema.
3Jerusarema rakavakwa seguta
rakapakata kwazvo.
4Ndiko kunokwira marudzi,
iwo marudzi aJehovha,
kundorumbidza zita raJehovha
maererano nezvakatemerwa Israeri.
5Zvigaro zvokutonga zvimire ikoko,
zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.
6Nyengetererai rugare rweJerusarema:
“Vanokuda dai vagara zvakanaka.
7Dai mukati mamasvingo ako maita rugare,
nokuchengetedzeka mukati menhare dzako.”
8Nokuda kwehama neshamwari dzangu,
ndichati, “Rugare ngaruve mukati mako.”
9Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu,
ndichatsvaka kubudirira kwako.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 122: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.