Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:72-107

Mapisarema 119:72-107 BDSC

Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe. Maoko enyu akandisika uye akandiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu. Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu. Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema. Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa. Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?” Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu. Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko? Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu. Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka. Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema. Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu. Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo. Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu! Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.