Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa, vanofamba mumurayiro waJehovha. Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose. Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake. Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa. Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba pakuteerera zvirevo zvenyu! Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu. Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama, sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama. Ndichateerera mitemo yenyu; regai kundirasa zvachose. Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei? Nokurarama sezvinoreva shoko renyu. Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose; musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu. Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai. Imi munofanira kukudzwa, Jehovha; ndidzidzisei mitemo yenyu. Nemiromo yangu ndichataurazve mirayiro yose inobva pamuromo wenyu. Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu, somunhu anofarira pfuma huru. Ndinofungisisa zvirevo zvenyu, uye ndinorangarira nzira dzenyu. Ndinofarira mitemo yenyu; handingakanganwi shoko renyu. Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama; ndichateerera shoko renyu. Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu. Ndiri mutorwa panyika; regai kundivanzira mirayiro yenyu. Mweya wangu wapedzwa nokushuva mitemo yenyu nguva dzose. Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa, uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu. Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa, nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu. Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva, muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu. Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu; ndizvo zvinondipanga mazano. Ndakaradzikwa pasi muguruva; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu. Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Terera ku Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:1-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo