Vakakomborerwa zvavo vanoupenyu husina chinoshoreka, vanofamba zviri pamutemo waTENZI. Arefu Vakakomborerwa vanochengeta mitemo yake, vanomutsvaka nomwoyo wose uye vasingaiti zvakaipa asi vanotevera gwara rake. Makati mitemo yenyu ichengetwe zvakanakisa. Dai maitiro angu angova akatendeka mukuchengeta mirau yenyu. Ipapo handizonyadziswa, ziso rangu richagara riri pamitemo yenyu. Ndichakurumbidzai nomwoyo uri pachokwadi pandinodzidza zvirongwa zvenyu zvakarurama. Ndichachengeta mitemo yenyu musandirase zvachose. Ko jaya ringachengete seiko maitiro aro akanaka? Rinofanira kuzvichengetedza maererano neshoko renyu. Beti Ndinokutsvakai nomwoyo wose, itai kuti ndirege kutsauka pamirau yenyu. Ndakaisa shoko renyu mumwoyo mangu kuti ndirege kukutadzirai. TENZI ngaarumbidzwe, ndidzidziseiwo zvirevo zvenyu. Ndinodudza pachena nomuromo wangu zvakatemwa nomuromo wenyu. Ndinofara namamiriro omutemo wenyu sokufarira kwandinoita upfumi hwose. Ndichafungisisa nezvemirau yenyu ndigorangarira nzira dzenyu. Ndinofarira mitemo yenyu, handimbokanganwi shoko renyu. Ndibatei zvakanakisisa ini muranda wenyu kuti ndirarame ndichengete shoko renyu. Gimeri Zarurai meso angu kuti ndione zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu. Ndiri mweni panyika, musandiwanzire mitemo yenyu. Mweya wangu unosuwira kwazvo zvirongwa zvenyu panguva dzose. Munotsiura vanozvikudza, vanhu vorushambwa, vanotetereka kubva pamitemo yenyu. Ndibvisireiwo kunyadziswa nokushorwa nokuti ndakachengeta mitemo yenyu. Kunyange machinda akagara pasi achindirangana, ini muranda wenyu ndicharangarira zvirevo zvenyu. Zvamakatema zvinondifadza, ndiwo makurukota angu. Ndinorara muhuruva, ndimutsurudzei neshoko renyu. Dareti Pandakareurura nzira dzangu makandipindura, ndidzidziseiwo zvirevo zvenyu. Itai kuti ndinzwisise mufambiro wemitemo yenyu; ini ndichanyatsofunga nezvamabasa enyu anoshamisa. Ndaparara nokusuruvara, ndisimbiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ndichengetei ndirege kurasika, munyatsondidzidzisawo mutemo wenyu. Ndakasarudza nzira yokutendeka, ndakaisa zvirongwa zvenyu pamberi pangu. Ndinoti kwati kwati nezvamakatema, imi TENZI regai kuti ndinyadziswe. Ndichamhanya nomugwara remitemo yenyu kana mandipa kunzwisisa kwakawanda.
Verenga chikamu Nziyo 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 119:1-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo