Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:23-43

Mapisarema 107:23-43 BDSC

Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji. Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika. Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu. Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka. Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pakupererwa namazano. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo. Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro. Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira kwakachengetedzeka kwavaida. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu. Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota. Akashandura nzizi dzikava gwenga, hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota, uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu, nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo. Akashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava zvitubu zvinoerera; ndipo paakagarisa vane nzara, uye vakavaka guta ravangagara. Vakadyara minda, uye vakasima minda yemizambiringa, ikabereka mukohwo wakanaka; akavaropafadza, uye akavawanza zvikuru, uye haana kutendera zvipfuwo zvavo kuparara. Ipapo vakava vashoma, uye vakaninipiswa vakadzvinyirirwa, nenjodzi uye nokusuwa; iye anodurura kuzvidzwa pamusoro pamakurukota, akaita kuti vadzungaire musango risina nzira. Akasimudza vanoshayiwa kubva mukutambudzika kwavo, uye akawedzera mhuri dzavo samapoka amakwai. Vakarurama vanozviona vagofara, asi vakaipa vose vanodzivirwa miromo yavo. Ani naani akachenjera ngaachengete zvinhu izvi, uye arangarire rudo rukuru rwaJehovha.