Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:17-22

Mapisarema 107:17-22 BDSC

Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo. Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo. Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.