Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:17-22

Mapisarema 107:17-22 SNA2002

Mapenzi anotambudzika nokuda kwokudarika kwavo, Uye nokuda kwazvakaipa zvavo. Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedyo namasuo orufu. Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamadambudziko avo. Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba.