Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya; nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva. Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango; mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve. Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pane avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo, naavo vanochengeta sungano yake uye vanorangarira kuita zvaakatema.
Verenga chikamu Mapisarema 103
Terera ku Mapisarema 103
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 103:13-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo