Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 1:8-19

Zvirevo 1:8-19 BDSC

Mwanakomana wangu, teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako. Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako nouketani hunoshongedza mutsipa wako. Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite. Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva; ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba; tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba; isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,” mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo; nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa. Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona! Varume ava vanovandira ropa ravo vomene; vanozvivandira ivo pachavo! Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa; inouraya vaya vanoiwana.