Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 1:19-30

VaFiripi 1:19-30 BDSC

nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu. Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, muupenyu kana murufu. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma. Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi! Ndiri pakati pezvinhu zviviri zvinoti: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza; asi zvinokoshawo zvikuru kwamuri kuti ndirambe ndiri mumuviri uyu. Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda kwenyu, kuitira kuti ndichinge ndadzoka kwamuri zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu. Zvisinei kuti chii chaitika kwandiri, murambe muchifamba nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri, musingatyiswi nenzira ipi zvayo neavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa naMwari. Nokuti makapiwa imi, nokuda kwaKristu, kuti musangotenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike nokuda kwake, sezvo muri mukurwa kumwe chete uku kwamakandiona ndinako, uye kwamunoziva zvino kuti ndichinako.