Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 1:19-30

VaFiripi 1:19-30 SNA2002

Nokuti ndinoziva kuti nokuda kwokukumbira kwenyu nokusimbiswa kwoMweya waJesu Kristu, izvozvi zvichava kuponeswa kwangu, zvandinotarira zvikuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu chimwe; asi kuti zvino, sapanguva dzose, nokusatya kwangu kwose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana noupenyu, kana nokufa. Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kupfuma. Zvino kana ndichirarama panyama, izvo zvichandipa zvibereko zvokubata kwangu; handizivi chandichasanangura; zvino ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri: ndinoda kubva, kuti ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuura nokunaka; asi nokuda kwenyu zvakanaka kuti ndigare panyama. Zvino ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemi mose, kuti mupfuurire mberi, mufare pakutenda; kuti muzvirumbidze zvikuru muna Kristu Jesu pamusoro pangu nokuda kwokudzokera kwangu kwamuri. Asi fambai bedzi zvakafanira Vhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomwoyo mumwe, muchirwira kutenda kweVhangeri; musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Nokuti nokuda kwaKristu imi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzikewo nokuda kwake; imi muchirwawo nokurwa uku kwamakaona kwandiri, kwamunonzwa kuti ndinorwa nazvino.

Verenga chikamu VaFiripi 1