Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Firimoni 1:15-25

Firimoni 1:15-25 BDSC

Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She. Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita. Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri. Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri. Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu. Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira. Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu. Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai, uyewo Mako, Aristakusi, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.