Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 12

12
Miriamu naAroni vanopikisana naMozisi
1Miriamu naAroni vakatanga kupopotera Mozisi nokuda kwomukadzi wake aiva muEtiopia, nokuti akanga awana muEtiopia. 2“Ko, Jehovha akangotaura naMozisi oga here? Ko, haana kutaura kubudikidza nesuwo here?” Uye Jehovha akazvinzwa.
3Zvino Mozisi akanga ari munhu akazvininipisa kwazvo, akazvininipisa kupfuura ani zvake pamusoro penyika.
4Pakarepo Jehovha akati kuna Mozisi, Aroni naMiriamu, “Budai muuye kuTende Rokusangana, mose muri vatatu.” Saka vakabuda ivo vari vatatu. 5Ipapo Jehovha akaburuka ari mushongwe yegore; akamira pamukova wokupinda kuTende akadana Aroni naMiriamu. Vakati vachibuda vari vaviri, 6akati kwavari, “Teererai mashoko angu:
“Kana pano muprofita pakati penyu, ndinozviratidza kwaari nezviratidzo,
ndinotaura naye muzviratidzo,
ndinotaura naye muzviroto.
7Asi hazvina kudaro kuna Mozisi muranda wangu;
iye akatendeka muimba yangu yose.
8Ndinotaura naye takatarisana,
pachena kwete nezvirahwe;
iye anoona chimiro chaJehovha.
Zvino makarega seiko kutya
kutaura muchipopotera muranda wangu Mozisi?”
9Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavo, uye akavasiya.
10Gore rakati rabva pamusoro peTende, onei Miriamu amirepo ava namaperembudzi, akachena sechando. Aroni akatendeukira kwaari akaona kuti akanga ava namaperembudzi. 11Ipapo akati kuna Mozisi, “Ndapota, ishe wangu, regai kuisa pamusoro pedu chivi chataita noupenzi. 12Musarega achifanana nomwana akazvarwa akafa mudumbu ramai vake hafu yenyama yake yakadyiwa.”
13Saka Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Haiwa Mwari, ndapota hangu muporesei!”
14Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Dai baba vake vanga vamupfira kumeso kwake, haazainyara kwamazuva manomwe here? Mubudise kunze kwomusasa kwamazuva manomwe; mugomudzosa henyu pashure.” 15Saka Miriamu akabudiswa kunze kwomusasa kwamazuva manomwe, uye vanhu havana kupfuurira mberi kusvikira adzoswa.
16Shure kwaizvozvo, vanhu vakabva paHazeroti vakandodzika musasa muRenje reParani.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 12: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda