Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 9:21-24

Mako 9:21-24 BDSC

Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?” Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake. Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.” Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.” Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!”