Uye akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazoraviri rufu vasati vaona umambo hwaMwari huchisvika nesimba.”
Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo. Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno. Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu.
Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akashaya zvokutaura, nokuti vakanga votya zvikuru.
Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!”
Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu.
Pavakanga vava kuburuka mugomo, Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu upi zvake zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kubva kuvakafa. Vakachengeta shoko iri pakati pavo, vachikurukurirana pamusoro pokuti, “kumuka kwavakafa” kunorevei.
Uye vakamubvunza vakati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”
Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa? Asi ndinoti kwamuri, Eria akauya, uye vakaita kwaari zvinhu zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.”