Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 4:21-25

Mako 4:21-25 BDSC

Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here? Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena. Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Chiyero chamunoshandisa, ndicho chamuchayerwawo nacho kunyange zvakapfuurisa. Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”