Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata. Jesu akati kumurume akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere. Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa. Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu.
Verenga chikamu Mako 3
Terera ku Mako 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 3:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo