Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 16:1-6

Mako 16:1-6 BDSC

Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu. Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira, uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?” Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa. Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka. Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.