Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.” Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akachiisa parutanda, akachipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Zvino musiyei akadaro. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuburutsa.” Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi. Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye aona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo murume uyu anga ari Mwanakomana waMwari!”
Verenga chikamu Mako 15
Terera ku Mako 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 15:33-39
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo