Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorogota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa. Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei.
Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera. Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA. Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe. Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.” Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu, chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!”
Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo.
Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.”
Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akachiisa parutanda, akachipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Zvino musiyei akadaro. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuburutsa.”
Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi. Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye aona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo murume uyu anga ari Mwanakomana waMwari!”
Vamwe vakadzi vakanga vachitarira vari kure. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho, mununʼuna waJosesi, naSarome. Vakadzi ava vomuGarirea ndivo vaimutevera uye vachimushandira. Vakadzi vazhinji vakanga vauya naye kuJerusarema vakanga varipowo.