Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mika 4

4
Gomo raJehovha
1Mumazuva okupedzisira
gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa
segomo guru pakati pamakomo;
richasimudzwa pamusoro pezvikomo,
uye marudzi achaenda kwariri.
2Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti,
“Uyai, handei kugomo raJehovha,
kuimba yaMwari waJakobho.
Achatidzidzisa nzira dzake,
kuti tigofamba munzira dzake.”
Murayiro uchabuda kubva paZioni,
shoko raJehovha kubva paJerusarema.
3Achatonga pakati pamarudzi mazhinji
uye achapedza gakava pakati pendudzi dzine simba dziri kure kure.
Vachapfura minondo yavo vagoiita mapadza,
namapfumo vachiaita mapanga okuchekerera miti.
Rudzi harungasimudziri rumwe rudzi munondo,
havangazodzidzirizve kurwa.
4Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake,
napasi pomuonde wake,
uye hapana anozovaita kuti vatye,
nokuti Jehovha Wamasimba Ose ataura.
5Ndudzi dzose dzingafamba
muzita ravamwari vadzo;
isu tichafamba muzita raJehovha
Mwari wedu nokusingaperi-peri.
Urongwa hwaJehovha
6“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“Ndichaunganidza vakaremara;
ndichaunganidza vakadzingwa
neavo vandakatambudza.
7Ndicharemadza vakasara,
vaya vakadzingwa, ivo rudzi rwakasimba.
Jehovha achavatonga paGomo reZioni
kubva pazuva iroro nokusingaperi.
8Kana uri iwe, chirindo cheboka
iwe nhare yoMwanasikana weZioni,
ushe hwakare huchadzoswa kwauri;
umambo huchauya kuMwanasikana weJerusarema.”
9Sei muchiridza mhere iye zvino,
hamuna mambo here?
Gota renyu raparara here zvokuti kurwadza
kwakubatai sekwomukadzi anosununguka?
10Tambura ugomere,
iwe Mwanasikana weZioni,
somukadzi ari pakusununguka,
nokuti zvino unofanira kubuda muguta unogara kusango.
Uchaenda kuBhabhironi;
ikoko uchandonunurwa.
Ikoko Jehovha achakudzikinura
kubva paruoko rwavavengi vako.
11Asi zvino ndudzi zhinji
dzakaunganira kuzokurwisa.
Vanoti, “Ngaasvibiswe,
maziso edu ngaatarise Zioni!”
12Asi havazivi
pfungwa dzaJehovha;
havanzwisisi kuronga kwake,
iye anovaunganidza sezvisote paburiro.
13“Simuka upure, iwe Mwanasikana weZioni,
nokuti ndichakupa nyanga dzesimbi;
ndichakupa mahwanda endarira
uye uchapwanya kuita zvidimbu ndudzi zhinji.”
Uchatsaurira kuna Jehovha zvavakazviwanira nenzira dzavo,
upfumi hwavo kuna Ishe wenyika yose.

Zvasarudzwa nguva ino

Mika 4: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda