Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 6:6-13

Mateo 6:6-13 BDSC

Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji. Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira. “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe, umambo hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva. Tiregererei zvatinokutadzirai, sezvatinoregererawo vanotitadzira isu. Musatitungamirira mukuedzwa, uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateo 6:6-13