Jesu akapindura akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanira kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake. Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari. Inzwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.”
Verenga chikamu Mateo 3
Terera ku Mateo 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 3:15-17
13 Mazuva
Pakupupura Kristu saIshe, hupenyu hwedu hunovandudzwa nekusingapere - heuno mubvunzo; rutendo urwu tingarudiridzira nenzira ipi? Kubvira kumavambo ekereke yekutanga zvichenda mberi, vatenderi vane hwanzvo hwetsika dzomweya nembiru dzechokwadi dzavanobatirira padziri. Muchidzidzo chino, unotevedza ndima gumi nenhatu dzinogovera tsindidzo dzehupenyu semuteveri waJesu. Zviwanire hwaro hwakasimba hwechitendero mudzidziso dzaKristu, pamwe nedzevaapostora vake.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo