Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya. Uye vakagara pasi, vakamurinda. Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.” Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!” Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari. Anovimba naMwari saka ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo.
Verenga chikamu Mateo 27
Terera ku Mateo 27
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 27:32-44
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo