Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 26:1-13

Mateo 26:1-13 BDSC

Jesu akati apedza kutaura zvinhu zvose izvi, akati kuvadzidzi vake, “Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, uye Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.” Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru ainzi Kayafasi, uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya. Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.” Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuhwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura. Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko? Mafuta anonhuhwira aya angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.” Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo. Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuchava neni nguva dzose. Paadira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu. Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.”