Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pane vose muumambo hwokudenga?” Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga. “Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini. Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika. “Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike. Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena. “Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga. Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika. “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiye makumi mapfumbamwe nepfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here? Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika. Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike. “Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako. Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’ Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi. “Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga. “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa. Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”
Verenga chikamu Mateo 18
Terera ku Mateo 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 18:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo