Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 14:13-21

Mateo 14:13-21 BDSC

Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa zvisingazivikanwi nevazhinji akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta. Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaporesa varwere vavo. Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.” Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.” Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.