Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa. Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, vanhu vose vakamira kumahombekombe. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga. Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?”
Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari. Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo:
“Kunyange vachiona asi havaoni,
kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.
Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti:
“ ‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi;
muchangoramba muchiona asi musingaonesesi.
Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu,
havatombonzwi nenzeve dzavo,
uye vakatsinzina meso avo.
Zvichida vangaona nameso avo,
vakanzwa nenzeve dzavo,
vakanzwisisa nemwoyo yavo,
vakapinduka, uye ndikavaporesa.’
Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.