Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 12:33-37

Mateo 12:33-37 BDSC

“Itai kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ichava yakanaka kana kuti itai kuti muti uve wakaipa, uye michero yawo ichava yakaipa, nokuti muti uchazivikanwa nemichero yawo. Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake. Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo. Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.”