Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 1:5-17

Mateo 1:5-17 BDSC

Sarimoni baba vaBhoazi, mai vake vari Rahabhi, Bhoazi baba vaObhedhi, mai vake vari Rute, Obhedhi baba vaJese, naJese baba vamambo Dhavhidhi. Dhavhidhi aiva baba vaSoromoni, mai vake ndivo vaimbova mukadzi waUria, Soromoni baba vaRehobhoamu, Rehobhoamu baba vaAbhija, Abhija baba vaAsa, Asa baba vaJehoshafati, Jehoshafati baba vaJoramu, Joramu baba vaUzia, Uzia baba vaJotamu, Jotamu baba vaAhazi, Ahazi baba vaHezekia. Hezekia baba vaManase, Manase baba vaAmoni, Amoni baba vaJosia, naJosia baba vaJekonia navanunʼuna vake panguva yavaiva kuutapwa muBhabhironi. Vabva kuutapwa kuBhabhironi: Jekonia aiva baba vaShearitieri, Shearitieri baba vaZerubhabheri, Zerubhabheri baba vaAbhiudhi, Abhiudhi baba vaEriakimu, Eriakimu baba vaAzori. Azori baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaAkimu, Akimu baba vaEriudhi, Eriudhi baba vaEreazari, Ereazari baba vaMatani, Matani baba vaJakobho. Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu. Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.