Shoko iri pamusoro paJesu rakapararira muJudhea yose nenyika dzose dzakapoteredza. Vadzidzi vaJohani vakamuudza pamusoro pezvinhu izvi zvose. Akadana vaviri vavo, akavatuma kuna She kuti vandobvunza kuti, “Ndimi here iye aifanira kuuya kana kuti tomirira mumwewo?” Varume ava vakati vasvika kuna Jesu, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatituma kwamuri kuti tizobvunza kuti, ‘Ndimi here mainzi muchauya, kana kuti timirire mumwewo?’ ” Panguva iyoyo Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere, matenda nemweya yakaipa uye akasvinudza vazhinji vakanga vari mapofu. Saka akapindura nhume achiti, “Dzokerai munoudza Johani zvamaona nezvamanzwa zvokuti: Mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vaya vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa uye vhangeri riri kuparidzwa kuvarombo. Akaropafadzwa munhu asingagumbuswi nokuda kwangu.”
Verenga chikamu Ruka 7
Terera ku Ruka 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 7:17-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo