Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 6:1-5

Ruka 6:1-5 BDSC

Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho. Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?” Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake? Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.” Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”