Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 5:27-32

Ruka 5:27-32 BDSC

Shure kwaizvozvo, Jesu akabuda akaona muteresi ainzi Revhi akagara paimba yake yokuteresa. Jesu akati kwaari, “Nditevere.” Revhi akasimuka, akasiya zvinhu zvose akamutevera. Ipapo Revhi akaitira Jesu mabiko makuru pamba pake, uye vateresi vazhinji kwazvo navamwewo vakadya navo. Asi vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vari veboka ravo vakagununʼuna vakati kuvadzidzi vake, “Seiko muchidya navateresi navatadzi?” Jesu akavapindura akati, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke.”