Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 4:3-13

Ruka 4:3-13 BDSC

Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ ” Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza munguva diki diki umambo hwose hwenyika. Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda. Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ” Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako kuti vakuchengete kwazvo; vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ” Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ” Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva.