Satani akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti ibwe iri rive chingwa.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga.’ ” Satani akamutungamidza oenda naye pakakwirira akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nakanguva kadukuduku, akachimuti; “Ndichakupa umambo hwose uhwu nomukurumbira wahwo nokuti zvakaturirwa kwandiri, uyezve ndinozvipa kune wandinenge ndichida. Naizvozvo, iwe ukandipfugamira zvose zvichava zvako.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako, umushandire iye oga.’ ” Akamutungamidzazve oenda naye Jerusaremu akandomumisa pachisuvi cheTemberi ndokumuti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano, nokuti zvakanyorwa zvichinzi; ‘Mwari achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete vachikudzivirira,’ uyezve ‘Vachakugama namaoko avo kuti urege kugumburwa tsoka yako nebwe.’ ” Jesu akamupindura achiti, zvakanzi, “Usaedze Tenzi Mwari wako.” Kuzoti Satani apedza mitoo yose yokumuedza nayo akambomusiya kusvikira pane imwe nguva.
Verenga chikamu Ruka 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 4:3-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo