Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 24:36-44

Ruka 24:36-44 BDSC

Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.” Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya. Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu? Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.” Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake. Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?” Vakamupa chimedu chehove yakagochwa, uye akachitora akachidya pamberi pavo. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”