Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 24:36-44

Ruka 24:36-44 SCLB

Pavakanga vachiri kutaura izvi. Iye Jesu pachake akamira pakati pavo (akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi”). Vakavhunduka vakatya vachifunga kuti vari kuona dzangaradzimu. Iye akati kwavari, “Ko muri kunetseka mumwoyo menyu neiko? Ko mibvunzo iri kumukireiko mumusoro menyu? Tarisai maoko angu netsoka dzangu muone kuti ndini chaiye. Ndibatei muone nokuti dzimudzangara harina nyama namapfupa sezvamuri kuona ndiinazvo.” Ataura izvi akavaratidza maoko ake netsoka dzake. Vachiri kupokana kudaro pamusana pokufara uye vachikatyamadzwa akati kwavari, “Mune chokudya here pano?” Vakamupa hove yakagochwa akaitora akaidya pamberi pavo. Akazovataurira achiti, “Aya ndiwo mazwi angu andakakutaurirai ndichinemi ndichiti, ‘Zvose zvakanyorwa nezvangu mumutemo waMosesi nomuvaporofita nomunziyo zvaifanira kuzadzikiswa.’ ”

Verenga chikamu Ruka 24