Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure. Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo. Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunanʼanidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.”
Asi iye akaramba izvozvo akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”
Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.”
Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”
Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”
Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira. Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.
Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka uye vakamurova. Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?” uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.
Kuzoti kwaedza, dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, Jesu akamiswa pamberi pavo. Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.”
Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi, uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri. Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.”
Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?”
Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.”
Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.”