Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 19:28-48

Ruka 19:28-48 BDSC

Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwidza kuJerusarema. Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti, “Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano. Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’ ” Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo. Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?” Ivo vakamupindura vakati, “Ishe anoida.” Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi. Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa. Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti: “Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!” “Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!” Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!” Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.” Akati aswedera kuJerusarema uye achiona guta, akachema pamusoro paro akati, “Dai iwe, kunyange iyewe, waiziva chete pazuva rino zvinhu zvaizokupa rugare, asi zvino zvakavanzwa pameso ako. Mazuva achasvika pamusoro pako ayo vavengi vako vachakuvakira muchinjiziri vagokukomberedza uye vagokumanikidza kumativi ose. Vachakupwanyira pasi, iwe navana vari mukati mamasvingo ako. Havazongosiyi ibwe pamusoro perimwe nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako naMwari.” Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya. Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.

Vhidhiyo re Ruka 19:28-48