Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:39-80

Ruka 1:39-80 BDSC

Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea, uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti. Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene. Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara! Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri? Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro. Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!” Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu, nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake. Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa, nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene. Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa. Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa. Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu. Akabatsira muranda wake Israeri, achirangarira kuva nengoni, kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.” Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye mushure maizvozvo akazodzokera zvake kumusha. Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana, akazvara mwana mukomana. Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye. Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria, asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.” Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.” Ipapo vakaninira namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana. Akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo. Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari. Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose. Vanhu vose vakazvinzwa vakashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye. Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti: “Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe, nokuti akauya akadzikinura vanhu vake. Akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi, sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare, iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu naparuoko rwavose vanotivenga, kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene, mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama: kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu, uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi, muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose. “Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita weWokumusoro-soro; nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira, kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo, nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu, naye zuva richatibudira richibva kudenga, kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri worufu, uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.” Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.