Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.” Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?” Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari. Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki. Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.” Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari.
Verenga chikamu Ruka 1
Terera ku Ruka 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 1:30-38
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo