Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 12

12
Madzimambo akakundwa
1Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:
2Sihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni.
Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi.
3Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga.
4Uyewo nenyika yaOgi mambo weBhashani, mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei.
5Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGesheri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni.
6Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo.
7Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rinokwidza richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo, 8nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, inova nyika yavaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi):
9mambo weJeriko mumwe chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe chete
10mambo weJerusarema mumwe chete mambo weHebhuroni mumwe chete
11mambo weJarumuti mumwe chete mambo weRakishi mumwe chete
12mambo weEgironi mumwe chete mambo weGezeri mumwe chete
13mambo weDhebhiri mumwe chete mambo weGedheri mumwe chete
14mambo weHoma mumwe chete mambo weAradhi mumwe chete
15mambo weRibhina mumwe chete mambo weAdhuramu mumwe chete
16mambo weMakedha mumwe chete mambo weBheteri mumwe chete
17mambo weTapua mumwe chete mambo weHeferi mumwe chete
18mambo weAfeki mumwe chete mambo weRasharoni mumwe chete
19mambo weMadhoni mumwe chete mambo weHazori mumwe chete
20mambo weShimuroni Meroni mumwe chete mambo weAkishafi mumwe chete
21mambo weTaanaki mumwe chete mambo weMegidho mumwe chete
22mambo weKadheshi mumwe chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe chete
23mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe chete
24mambo weTiriza mumwe chete,
madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 12: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda