Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 42:2-5

Jobho 42:2-5 BDSC

“Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose; hapana urongwa hwenyu hungakoneswa. Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’ Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive. “Mati imi, ‘Chinzwa zvino, uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe, uye iwe uchandipindura.’ Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu, asi zvino meso angu akuonai imi.